Mark 12

Mufananidzo wevarimi vakaipa

1Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, achiti: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, ndokuenda parwendo. 2Nenguva yakafanira, wakatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvechibereko chemunda wemizambiringa. 3Vakamubata vakarova, vakamuendesa asina chinhu. 4Akatumazve kwavari umwe muranda; uyu vakamuposhera mabwe, vakamukuvadza mumusoro, vakamuendesa anyadziswa. 5Zvino wakatumazve umwe; uyu vakamuurayawo; nevamwe vazhinji, vachirova vamwe, nekuuraya vamwe. 6Naizvozvo wakange achine mwanakomana umwe mudikanwi wake, akamutumirawo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu. 7Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai ngatimuurayei, nhaka ichava yedu. 8Vakamutora vakauraya, vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa. 9Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achaitei? Achauya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe. 10Ko hamuna kuverenga here rugwaro urwu rwunoti: Ibwe vavaki ravakarasa, ndiro rava musoro wekona; 11izvi zvakaitwa naIshe, uye zvinoshamisa pameso edu? 12Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nokuti vaiziva kuti wakange ataura mufananidzo uyu akanangana navo. Vakamusiya vakaenda.

Kuripira Kesari mutero

13Vakati vatuma kwaari vamwe veVaFarisi neveVaHerodhe, kuti vamubate pakutaura. 14Zvino vakati vauya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, hamuna hanya nemunhu; nokuti hamutariri chimiro chemunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi: Zviri pamutemo kupa Kesari mutero here, kana kwete? 15Tipe here, kana tirege kupa? Asi iye wakaziva unyepedzeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei? Ndivigirei dhenario*, kuti ndione. 16Vakariuisa. Akati kwavari: Mufananidzo uyu nerunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari. 17Jesu akapindura akati kwavari: Dzoserai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. Vakashamisika naye.

Vanobvunza Jesu pamusoro pekumuka kwevakafa

18Zvino kwakauya kwaari VaSadhusi, vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza vachiti: 19Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, kuti munin'ina wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake mbeu. 20Zvino kwakange kune vanakomana vanomwe vemunhu umwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa akasasiya mbeu. 21Wechipiri akamutora, akafa, iyewo akasasiya mbeu; newechitatu saizvozvo. 22Nevanomwe vakamutora, vakasasiya mbeu; shure kwevese mukadzi akafawo. 23Naizvozvo pakumuka, kana vachimuka, achava mukadzi wani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye kuita mukadzi. 24Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurasika here neizvozvi, nokuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari? 25Nokuti kana vachimuka kubva kuvakafa, havawanani, kana kuwaniswa, asi vakaita sevatumwa vari kumatenga. 26Zvino maererano nevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, kuti Mwari wakataura naye sei mugwenzi reminzwa, achiti: Ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? 27Haasi Mwari wevakafa, asi Mwari wevapenyu; imwi naizvozvo marasika kwazvo.

Murairo mukuru

28Zvino umwe wevanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti wakange avapindura zvakanaka, akamubvunza achiti: Ndeupi murairo wekutanga kune yese? 29Jesu akamupindura, achiti: Wekutanga kumirairo yese ndiwoyu: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe umwe chete! 30Uye ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nefungwa dzako dzese, uye nesimba rako rese. Uyu murairo wekutanga. 31Newechipiri wakadai ndeuyu: Ida umwe wako sezvaunozvida. Hakuna umwe murairo mukuru kune iyi. 32Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari umwe chete, uye hakuna umwe kunze kwake; 33nekumuda nemoyo wese, uye nefungwa dzese, uye nemweya wese, uye nesimba rese, nekuda wekwako sezvaunozvida, zvinopfuura zvipiriso zvese zvinopiswa nezvibairo. 34Zvino Jesu wakati achimuona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure neushe hwaMwari. Kukasazova nemunhu wakatsunga kumubvunza.

Kristu Mwanakomana waDhavhidhi

35Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi? 36Nokuti Dhavhidhi amene wakati neMweya Mutsvene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. 37Naizvozvo Dhavhidhi amene anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake papi? Chaunga chikuru chikamunzwa nemufaro.

Jesu anonyevera vadzidzi vake

38Zvino wakati kwavari padzidziso yake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nekwaziso pamisika, 39nezvigaro zvemberi mumasinagoge, nezvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo; 40vanodya dzimba dzechirikadzi, uye nekunyepedzera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kuraswa kukuru kwazvo.

Jesu anorumbidza chipo chechirikadzi

41Jesu akagara pasi akatarisana nechivigiro chezvipo, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vakange vachikanda zvizhinji. 42Zvino kwakasvika imwe chirikadzi murombo, ikakanda tumari twemhangura tuviri, ndiro kobiri. 43Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuura vese vakanda muchivigiro chezvipo; 44nokuti vese vakanda pamuraudziro wavo; asi iye paurombo hwake wakanda zvese zvaanazvo, zvese zveupenyu hwake.

Copyright information for Shona